1 Corinthians 14:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ɀino, hama dzaŋgu, kana ndiciʋuya kwamuri, ndicitaura nendimi, ndiŋgakuɓatsirai neiko, kana ndisiŋgatauri nokuzarurirwa, kana nokuziʋa, kana nokuprofita, kana nokudzidzisa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino hama, kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai seiko, asi kuti kana ndichitaura nokuzarurirwa kana ruzivo kana chiprofita kana shoko rokurayira?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko zvino, nhai hama dzangu, ini ndingakubatsirei sei kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi dzisingazikanwi kusatoti ndakuunzirai zvakanga zvakavandika kana kuti ruzivo kana kuti zvakaporofitwa kana chidzidziso.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi zvino, hama dzangu, kana ndichiuya kwamuri, ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai neiko, kana ndisingatauri nokuzarurirwa, kana nokuziva, kana nokuporofita, kana nokudzidzisa?
Shona 2009?
Asi zvino, hama dzangu, kana ndichivuya kwamuri, ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai neiko, kana ndisingatauri nokuzarurirwa, kana nokuziva, kana nokuporofita, kana nokudzidzisa?
Shona SUB 2002 Bible
Asi zvino, hama dzangu, kana ndichiuya kwamuri, ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai neiko, kana ndisingatauri nokuzarurirwa, kana nokuziva, kana nokuporofita, kana nokudzidzisa?