1 Corinthians 14:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀinhu ɀisinoʋupenyu, ɀinorira — kana iri nyere, kana ruɗimbga — kana ɀisiŋgasiyani pakurira kwaɀo, ɀiŋgazikanwa seiko cinoridzwa nenyere kana noruɗimbga?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorirawo wani, zvakaita senyere kana rudimbwa, munhu achaziva seiko kana zvisingasiyani pakurira kwazvo?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange zvinhu zvokuimbisa zvisina upenyu senyere kana dimbwa kana zvisingasiyanisi maungira azvinoburitsa munhu angazive sei rumbo rwuri kuimbwa?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorira kana iri nyere, kana rudimbwa, kana zvisingasiyani pakurira kwazvo, zvingazikanwa seiko chinoridzwa nenyere kana norudimbwa?
Shona 2009?
Kunyange zvinhu zvisinovupenyu, zvinorira kana iri nyere, kana rudimbwa kana zvisingasiyani pakurira kwazvo, zvingazikamwa seiko chinoridzwa nenyere kana rudimbwa?
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvinhu zvisina upenyu zvinorira kana iri nyere, kana rudimbwa, kana zvisingasiyani pakurira kwazvo, zvingazikanwa seiko chinoridzwa nenyere kana norudimbwa?