1 Corinthians 15:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi nenyasha dzaMŋari ndiri munhu wakaɗai ɀino; nenyasha dzake kwandiri hadzina‐kuʋa pasina; asi ndakaɓata ɀikuru kupfuʋura ʋose; handizini, asi inyasha dzaMŋari dzaiʋa neni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi nokuda kwenyasha dzaMwari ndiri zvandiri uye nyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina. Kwete, nokuti ndakashanda kupfuura vose, asi ndisiri ini, asi nyasha dzaMwari dzaiva neni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri. Nyasha dzake kwandiri hadzina kushaya basa. Zvakatoitika ndezvokuti ndakashanda zvakaomarara kupinda vose. Kunyange zvazvo ndakanga ndisirini asi nyasha dzaMwari mandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi nenyasha dzaMwari ndiri munhu akadai zvino; nenyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakashanda zvikuru kupfuura vose; handizini, asi inyasha dzaMwari dzaiva neni.
Shona 2009?
Asi nenyasha dzaMwari ndiri munhu wakadai zvino: nenyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuvura vose; handizini, asi inyasha dzaMwari dzaiva neni.
Shona SUB 2002 Bible
Asi nenyasha dzaMwari ndiri munhu akadai zvino; nenyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakashanda zvikuru kupfuura vose; handizini, asi inyasha dzaMwari dzaiva neni.