1 Corinthians 15:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana Kristu aciparidzwa, kuti wakamutswa kuʋakafa, ʋamŋe pakati penyu ʋanoreʋa seiko, kuti hakuna‐kumuka kwaʋakafa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana kuchiparidzwa kuchinzi Kristu akamutswa kubva kuvakafa, ko, vamwe venyu vangareva sei kuti hakuna kumutswa kwavakafa?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko zvino kana Kristu achiparidzwa kuti akamutswa kuvafi, ko vamwe venyu vangati hakuna zvokumuka kwavakafa sei?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana Kristu achiparidzwa, kuti akamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa?
Shona 2009?
Zvino kana Kristu achiparidzwa, kuti wakamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana Kristu achiparidzwa, kuti akamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa?