1 Corinthians 15:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakaisa ɀinhu ɀose pasi petsoka dzake. Ɀino kana aciti: Ɀose ɀakaiswa pasi pake, ɀinoʋonekwa pacena kuti iye, wakaisa ɀose pasi pake, haaiswi’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti “zvinhu zvose,” zvakaiswa pasi petsoka dzake, zviri pachena kuti izvi hazvisanganisiri Mwari pachake, iye akaisa zvinhu zvose pasi paKristu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti zvinonzi, “Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Zvino kana zvichinzi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti hazvibatanidziri naiye, Mwari akaisa zvinhu zvose pasi pake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti, “Zvose zvakaiswa pasi pake, zvinoonekwa pachena kuti iye, akaisa zvose pasi pake, haaiswipo.”
Shona 2009?
Nokuti wakaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti: Zvose zvakaiswa pasi pake, zvinovonekwa pachena kuti iye, wakaisa zvose pasi pake, haana kuiswapo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Zvino kana achiti, “Zvose zvakaiswa pasi pake, zvinoonekwa pachena kuti iye, akaisa zvose pasi pake, haaiswipo.”