1 Corinthians 15:41 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kubginya kwezuʋa ndokumŋe, nokubginya kwomŋedzi ndokumŋe, nokubginya kwenyeredzi ndokumŋe; nokuti nyeredzi imŋe haifanani neimŋe nyeredzi pakubginya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zuva rino kubwinya kwaro, mwedzi unewo kumwe, nenyeredzi dzinewo kumwe; uye nyeredzi haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kune kupenya kwezuva nokupenya kwomwedzi. Kuno kupenya kwenyenyedzi. Nyenyedzi dzinosiyana pakupenya kwadzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kubwinya kwezuva ndokumwe, nokubwinya kwomwedzi ndokumwe, nokubwinya kwenyeredzi ndokumwe; nokuti nyeredzi imwe haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya.
Shona 2009?
Kunokubwinya kwezuva, ndokumwe, nkubwinya komwedzi, ndokumwe kubwinya kwenyeredzi, ndokumwe nokuti imwe nyeredzi inosiyana neimwe pakubwinya.
Shona SUB 2002 Bible
Kubwinya kwezuva ndokumwe, nokubwinya kwomwedzi ndokumwe, nokubwinya kwenyenyedzi ndokumwe; nokuti nyenyedzi imwe haifanani neimwe nyenyedzi pakubwinya.