1 Corinthians 15:50 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino, hama dzaŋgu, ndinoreʋa ndiciti, nyama neropa haɀiŋgagari nhaka yoʋushe bgaMŋari; nokuʋora hakuŋgagari nhaka yokusaʋora.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino, hama, ndinoti kwamuri nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari, uye zvinoparara hazvingagari nhaka yezvisingaparari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinokutaurirai izvi, hama dzangu, zvokuti, chakaitwa nenyama neropa hachikwanisi kuwana umambo hwaMwari uye chinofa hachigoni kuwana kusafa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka youshe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yokusaora.
Shona 2009?
Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka yovushe bwaMwari; nokuvora hakungagari nhaka yokusavora.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka youshe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yokusaora.