1 Corinthians 16:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana Timotio aciȿika, cenjerai kuti agare nemi asiŋgatyi; nokuti unoɓate‐ɓasa raShe, sendandinoita neni ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana Timoti akauya, chenjerai kuti agare nemi asina chaangatya ari pakati penyu nokuti anobata basa raShe, sezvandinoita neniwo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana Timoti auya itomugadzanisai hana pakati penyu nokuti ari kuita basa raTenzi sezvandiri kuita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana Timoti achisvika, chenjerai kuti agare nemi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe, sezvandinoita neniwo.
Shona 2009?
Zvino kana Timotio achisvika, chenjerai kuti agare nemwi asingatyi; nokuti unobata basa raShe, sezvandinoita ini.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana Timoti achisvika, chenjerai kuti agare nemi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe, sezvandinoita neniwo.