1 Corinthians 16:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ari Aporo, hama yeɗu, ndakakumbira kwaari ɀikuru, kuti aʋuye kwamuri pamŋe cete nedzimŋe hama; asi wakaŋga asiŋgatoŋgoɗi kuʋuya ɀino, ucaʋuya hake kana awana ŋguʋa yakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino pamusoro pehama yedu Aporosi: Ndakamukurudzira kwazvo kuti auye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama. Akanga asingadi kuuya iye zvino, asi achauya kana awana mukana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panyaya yezvaAporosi, hama yedu, ndakamukumbirisa kwazvo kuti azokushanyirai pamwechete navamwe vehama asi chakanga chisiri chido chake kuti auye iye zvino. Achauya kana awana mukana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti auye kwamuri pamwechete nedzimwe hama; asi akanga asingatongodi kuuya zvino, achauya hake kana awana nguva yakanaka.
Shona 2009?
Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti avuye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama; asi wakanga asingatongodi kuvuya zvino, uchavuya hake kana awana nguva yakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti auye kwamuri pamwechete nedzimwe hama; asi akanga asingatongodi kuuya zvino, achauya hake kana awana nguva yakanaka.