1 Corinthians 16:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira ʋanokukwazisai ɀikuru munaShe, pamŋe cete nekereke iri mumba maʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kereke dziri mudunhu reEzhia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna She, uyewo nekereke inoungana mumba mavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Masangano okuAsia anokukwazisai. Akwira naPrisika neSangano rinopindira pamba pavo vanokukwazisai zvikuru muna Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwechete nekereke iri mumba mavo.
Shona 2009?
Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru munaShe, pamwe chete nekereke iri mumba mavo.
Shona SUB 2002 Bible
Chechi dzapaEzhia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwechete nechechi iri mumba mavo.