1 Corinthians 16:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nomusi wokutaŋga weviki, mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaakamure ɀimŋe kumba kwake, aʋuŋganidze, paakawana napo, kuti ɀipo ɀirege kuʋuŋganidzwa, kana ndiciȿika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nomusi wokutanga wevhiki roga roga, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure mari kubva pamari yake zvichienderana napaanowana napo, muiunganidze pamwe chete, kuitira kuti pandinouya kurege kuzounganidzwa zvipo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusi weSvondo, svondo rimwe nerimwe munhu oga oga ngaaise zvinhu parutivi azvichengete maererano nokuwana kwake kuti zvirege kuzounganidzwa ndatouya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, aunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuunganidzwa, kana ndichisvika.
Shona 2009?
Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, avunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuvunganidzwa, kana ndichisvika.
Shona SUB 2002 Bible
Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, aunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuunganidzwa, kana ndichisvika.