1 Corinthians 2:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti munhu ndoupiko unoziʋa ɀomunhu, asi mŋeya womunhu uri maari? Saiɀoɀo hakunomunhu unoziʋa ɀaMŋari, asi Mŋeya waMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndianiko pakati pavanhu anoziva ndangariro dzomunhu kunze kwomweya womunhu uri mukati make? Saizvozvowo hakuna munhu anoziva ndangariro dzaMwari kunze kwoMweya waMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiani angazive zviri mupfungwa dzomunhu kusiya mweya womunhu iyeyo uri maari. Saizvozvowo hapana angazive pfungwa dzaMwari kusiya Mweya waMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti munhu ndoupiko anoziva zvomunhu, asi mweya womunhu uri maari? Saizvozvo hukuna munhu anoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari.
Shona 2009?
Nokuti munhu ndoupiko unoziva zvomunhu, asi mweya womunhu, uri maari? Saizvozvo hakunomunhu unoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti munhu ndoupiko anoziva zvomunhu, asi mweya womunhu uri maari? Saizvozvo hukuna munhu anoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari.