1 Corinthians 3:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɓasa romumŋe nomumŋe ricaʋonekwa; nokuti zuʋa iro ricaɀiɓuɗisa pacena, nokuti ricaratidzwa nomŋoto; mŋoto ucaidza ɓasa romumŋe nomumŋe kuti rakaɗini.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
basa rake richaonekwa kuti rakaitwa nei, nokuti Zuva iro richazvibudisa pachena. Richaratidzwa nomoto, uye moto uchaedza basa romumwe nomumwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Basa romumwe nomumwe richaratidzwa pachena zvariri nokuti Zuva iroro richazviburitsa pachena nokuti basa romunhu richaoneswa zvariri nomoto. Moto ndiwo uchaedza basa romunhu nomunhu kuti akariita sei.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
basa romumwe nomumwe richaonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti richaratidzwa nomoto; moto uchaedza basa romumwe nomumwe kuti rakadini.
Shona 2009?
basa romumwe nomumwe richavonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti zvicharatidzwa nomoto; moto uchaidza basa romumwe nomumwe kuti rakadini.
Shona SUB 2002 Bible
basa romumwe nomumwe richaonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti richaratidzwa nomoto; moto uchaedza basa romumwe nomumwe kuti rakadini.