1 Corinthians 4:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nemhaka iyi ndakatuma Timotio kwamuri, mŋana waŋgu unoɗikanwa, wakatendeka munaShe; iye ucakuyeʋudzai mitoʋo yaŋgu iri munaKristu Jesu, seɀandinodzidzisa kwose pakereke dzose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuda kwechikonzero ichi ndatuma Timoti kwamuri, mwana wangu wandinoda, akatendeka muna She. Achakuyeuchidzai mararamiro angu muna Kristu Jesu, zvinoenderana nezvandinodzidzisa kwose kwose mukereke dzose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana paizvozvo ndiri kukutumirai Timoti, mwana wangu wapamwoyo wakatendeka muna Tenzi kuti akuyeuchidzei mugariro wangu muna Kristu sokuvadzidzisa kwandinoita kose kose musangano rimwe nerimwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nemhaka iyi ndakatuma Timoti kwamuri, mwana wangu anodikanwa, akatendeka muna Ishe; iye achakuyeudzai mitoo yangu iri muna Kristu Jesu, sezvandinodzidzisa kwose pakereke dzose.
Shona 2009?
Nemhaka iyi ndakatuma Timotio kwamuri, mwana wangu unodikamwa, wakatendeka munaShe; iye uchakuyevudzai, mitovo yangu iri munaKristu Jesu, sezvandinodzidzisa kose pakereke dzose.
Shona SUB 2002 Bible
Nemhaka iyi ndakatuma Timoti kwamuri, mwana wangu anodikanwa, akatendeka muna Ishe; iye achakuyeuchidzai mitoro yangu iri muna Kristu Jesu, sezvandinodzidzisa kwose pachechi dzose.