1 Corinthians 4:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka regai kutoŋga cinhu ŋguʋa isati yaȿika, kuȿikira Ishe aʋuya, iye ucaɓuɗisa pacena ɀinhu ɀakaʋanzika ɀerima, nokuratidza mifuŋgo yomŋoyo; ipapo munhu mumŋe nomumŋe ucarumbidzwa naMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo, regai kutonga chinhu nguva isati yasvika; chimbomirai kusvikira Ishe auya. Achaisa pachena zvakavanzwa murima uye acharatidza mifungo yemwoyo yavanhu. Panguva iyoyo mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro regai kupa munhu mhosva nguva isati yasvika, Tenzi vasati vauya. Ndivo vachaburitsa pachena zvinhu zvakavandika murima iye zvino uye vachaburitsa pachena zvinangwa zviri mumwoyo. Ipapo munhu wose achapiwa kurumbidzwa kwake naMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe auya, iye achabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, nokuratidza mifungo yomwoyo; ipapo munhu mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.
Shona 2009?
Saka regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe avuya, iye uchabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, nokuratidza mifungo yomoyo; apo munhu mumwe nomumwe ucharumbidzwa naMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Saka regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe auya, iye achabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, nokuratidza mifungo yomwoyo; ipapo munhu mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.