1 Corinthians 4:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndinoti Mŋari wakatigadza isu ʋaapostora pakupedzisira, sa ʋanhu ʋakatoŋgerwa rufu; nokuti takaitwa cinhu cinoshamisa nyika, naʋatumŋa, naʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ini ndinoona kuti Mwari akatigadza kuti tive vapostori vanoonekwa pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu. Takaitwa chiseko kunyika yose, kuvatumwa uyewo nokuvanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinofunga kuti Mwari, isu vapositori, akatiisa kokupedzisira achitiratidza kunyika savanhu vanofanira kuuraiwa nokuti tatove chinhu chokuyevewa nenyika yose navatumwa navanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndinoti Mwari akatigadza isu vapostori pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu; nokuti takaitwa chinhu chinoshamisa nyika, navatumwa, navanhu.
Shona 2009?
Nokuti ndinoti Mwari wakatigadza isu vapositora pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu; nokuti takaitwa chinhu chinoshamisa nyika, navatumwa navanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndinoti Mwari akatigadza isu vapostori pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu; nokuti takaitwa chinhu chinoshamisa nyika, navatumwa, navanhu.