1 Corinthians 5:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋose ʋanoti ʋupombge bguri’po pakati penyu, ʋupombge bgakaɗaro bgusiŋgazikanwi kunyaŋge pakati paʋahedeni, bgokuti mumŋe unogara nomukadzi waɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvinonzi pakati penyu pane upombwe, uye upombwe hworudzi rusakambonzwikwa kunyange pakati pavahedheni: Munhu anorara nomukadzi wababa vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiri kunzwa zvechokwadi kuti pakati penyu pari kuitwa unzenza husingatombowanikwi kunyange pakati pavasiri vanamati. Pano murume ari kutorana nomudzimai wababa vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vose vanoti upombwe huripo pakati penyu, upombwe hwakadaro husingazikanwi kunyange pakati pavahedheni, hwokuti mumwe anogara nomukadzi wababa vake.
Shona 2009?
Vanhu vose vanoti vupombwe bwuripo pakati penyu, vupombwe bwakadaro bwusingazikamwi kunyange pakati pavahedheni, bwokuti mumwe unogara nomukadzi wababa vake.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vose vanoti upombwe huripo pakati penyu, upombwe hwakadaro husingazikanwi kunyangwe pakati pavahedheni, hwokuti mumwe anogara nomukadzi wababa vake.