1 Corinthians 5:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ɀino ndinokunyorerai, kuti murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana ari mhombge, kana unoruciʋa, kana unonamata ɀifananidzo, kana mutuki, kana unosinwa ɗoro, kana gororo; musadya nowakaɗai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi zvino ndinonyora kwamuri kuti musafambidzana naani zvake anozviti ihama asi ari mhombwe, kana kuti ano ruchiva, anonamata zvifananidzo, kana kuti chidhakwa kana gororo. Munhu akadaro musatombodya naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asiwo zvandakakunyorerai ndezvokuti murege kufambidzana nani zvake anodaidzwa kunzi hama muna Kristu kana ane mhosva younzenza kana yoruchiva kana kuti munamati wezvisiri Mwari kana munyombi kana chidhakwa kana gororo kana kumbodya nomunhu akadaro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi zvino ndinokunyorerai, kuti murege kufambidzana nomunhu anoidzwa hama, kana ari mhombwe, kana anoruchiva, kana anonamata zvifananidzo, kana mutuki, kana anosinwa doro, kana gororo; musadya nowakadai.
Shona 2009?
Asi zvino ndinokunyorerai, kuti murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana achinamata zvifananidzo, kana mutuki, kana unosimwa doro, kana gororo; musadya nowakadai.
Shona SUB 2002 Bible
Asi zvino ndinokunyorerai, kuti murege kufambidzana nomunhu anoidzwa hama, kana ari mhombwe, kana anoruchiva, kana anonamata zvifananidzo, kana mutuki, kana anosinwa doro, kana gororo; musadya nowakadai.