1 Corinthians 6:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hamuziʋi kuti miʋiri yenyu mitezo yaKristu here? Ɀino ndobvisa mitezo yaKristu, ndiiite mitezo yemhombge here? Haiȿa!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndingatora here mitezo yaKristu uye ndigoiita mitezo youpombwe? Kwete napaduku pose!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hamuzivi here kuti miviri yenyu inhengo dzaKristu? Zvino ndingatore here nhengo dzomuviri waKristu ndichidziita nhengo dzomuviri wepfambi? Hazvimbofa zvakaitika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hamuzivi kuti miviri yenyu mitezo yaKristu here? Zvino ndobvisa mitezo yaKristu, ndiite mitezo yemhombwe here? Haisva!
Shona 2009?
Hamuzivi kuti miviri yenyu mitezo yaKristu, ndichatora mitezo yaKristu ndikaiita mitezo yechifeve here
Shona SUB 2002 Bible
Hamuzivi kuti miviri yenyu mitezo yaKristu here? Zvino ndobvisa mitezo yaKristu, ndiite mitezo yemhombwe here? Haisva!