1 Corinthians 6:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hamuziʋi here kuti ʋatȿene ʋacatoŋga nyika? Ɀino kana nyika icitoŋgwa nemi, ko imi hamufaniri kutoŋga mhoȿa ɗuku‐ɗuku here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana muchazotonga nyika, ko, hamungagoni kutonga mhosva duku duku here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hamuzivi here kuti vatsvene ndivo vachatonga pasi pose? Zvino kana pasi pachizotongwa nemi hamugoni here kuenzanisa tunyaya tudiki twakadaro?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichitongwa nemi, ko imi hamufaniri kutonga mhosva duku-duku here?
Shona 2009?
Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichitongwa nemi, ko imwi hamufaniri kutonga mhosva duku-duku here?
Shona SUB 2002 Bible
Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichitongwa nemi, ko imi hamufaniri kutonga mhosva duku–duku here?