1 Corinthians 6:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko hamuziʋi kuti ʋasakarurama haʋaŋgagari nhaka yoʋushe bgaMŋari here? Musarashika; nokuti mhombge, kana ʋanonamata ɀifananidzo, kana ʋanofeʋa, kana ʋakapata, kana ʋanoita ɀakaipa naʋarume,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, hamuzivi here kuti vasakarurama havagari nhaka youmambo hwaMwari? Musanyengerwa: Nokuti mhombwe kana vanonamata zvifananidzo, kana zvifeve, kana varume vanoita zvoufeve, kana varume vanodanana navamwe varume,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hamuzivisu kuti vasakarurama havawane nhaka youmambo hwaMwari. Musazvinyengedze kuti hapana unzenza navanamati vezvisiri Mwari, kana mhombwe navarume vanoita zvakaipa navamwe varume,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko hamuzivi kuti vasakarurama havangagari nhaka youshe hwaMwari here? Musarasika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanopfeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume,
Shona 2009?
Ko hamuzivi kuti vasakarurama havangagari nhaka yovushe bwaMwari here? Musarashika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume,
Shona SUB 2002 Bible
Ko hamuzivi kuti vasakarurama havangagari nhaka youshe hwaMwari here? Musarasika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume,