1 Corinthians 7:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kunaʋamŋe ndinoti ini, haazi Ishe: Kana hama inomukadzi usiŋgatendi, kana iye aciɗa hake kugara naye, ŋgaarege kumurasha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuna vamwe vose ndinoti (ini kwete Ishe): Kana hama ino mukadzi asingatendi uye mukadzi achida hake kugara naye, haafaniri kumuramba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuna vamwe imi mose, ini, kwete Tenzi, ndinoti kana hama munamati ino mudzimai asiri mutendi asi anobvuma zvake kugara naye, haafaniri kumuramba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kuna vamwe ndinoti ini, haazi Ishe: Kana hama inomukadzi asingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumuramba.
Shona 2009?
Zvino kunavamwe ndinoti ini, haazi Ishe; Kana hama inomukadzi usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumurasha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kuna vamwe ndinoti ini, haazi Ishe: Kana hama inomukadzi asingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumuramba.