1 Corinthians 7:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti murume usiŋgatendi unoitwa mutȿene nomukadzi wake, nomukadzi usiŋgatendi unoitwa mutȿene nomurume; kana ɀisina‐kuɗaro, ʋana ʋenyu ʋaiʋa netȿina; asi ɀino ʋatȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene nokuda kwomukadzi wake, uye mukadzi asingatendi anoitwa mutsvene kubudikidza nomurume wake anotenda. Vana venyu vaizova netsvina, asi zvino vava vatsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chikonzero chacho ndechokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene pamusana pomukadzi wake uyewo mukadzi asingatendi anoitwa mutsvene pamusana pomurume wake. Dai zvisina kudaro vana venyu vangadai vakan'ora asi sezvazviri, vatsvene.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti murume asingatendi anoita mutsvene nomukadzi wake, nomukadzi asingatendi anoitwa mutsvene nomurume; kana zvisina kudaro, vana venyu vaiva netsvina; asi zvino vatsvene.
Shona 2009?
nokuti murume usingatendi unoitwa mutsvene nomukadzi wake, nomukadzi usingatendi unoitwa mutsvene nomurume; kana zvisina kudaro, vana venyu vaiva netsvina; asi zvino vatsvene.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti murume asingatendi anoita mutsvene nomukadzi wake, nomukadzi asingatendi anoitwa mutsvene nomurume; kana zvisina kudaro, vana venyu vaiva netsvina; asi zvino vatsvene.