1 Corinthians 7:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi, mumŋe nomumŋe seɀaakagoʋerwa naShe, mumŋe nomumŋe seɀaakaɗanwa naMŋari, ŋgaafambe saiɀoɀo. Ndiɀo ɀandinoraira pakereke dzose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvisinei hazvo, mumwe nomumwe ngaararame upenyu hwaakagoverwa naIshe uye hwaakadanirwa naMwari. Izvi ndizvo zvandinorayira mukereke yose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiripo zvacho ndechokuti munhu wose ngaagare upenyu hwaakapiwa naTenzi uye hwaakadaidzirwa naMwari. Iwoyo ndiwo mutemo wangu mumasangano ose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi, mumwe nomumwe sezvaakagoverwa naIshe, mumwe nomumwe sezvaakadanwa naMwari ngaafambe saizvozvo. Ndizvo zvandinorayira pakereke dzose.
Shona 2009?
Asi, mumwe nomumwe sezvaakagoverwa naShe, mumwe nomumwe sezvaakadamwa naMwari, ngaafambe saizvozvo. Ndizvo zvandinoraira pakereke dzose.
Shona SUB 2002 Bible
Asi, mumwe nomumwe sezvaakagoverwa naIshe, mumwe nomumwe sezvaakadanwa naMwari ngaafambe saizvozvo. Ndizvo zvandinorayira pachechi dzose.