1 Corinthians 7:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndinoɗa kuti murege kuʋa nokufuŋganya. Usina‐kuwana, unofuŋga ɀaShe, kuti uŋgafadza Ishe wake sei.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Murume asina kuwana anofunga zvaShe, kuti angafadza Ishe sei.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndingade kuti pasave nechinokushungurudzai mumwoyo. Murume asina kuroora ane shungu nezvaTenzi kuti angafadze Tenzi sei. Asi murume akaroora mwoyo wake uri kune zvapanyika kuti angafadze mudzimai wake sei.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Asina kuwana, anofunga zvaIshe, kuti angafadza Ishe wake sei.
Shona 2009?
Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Usina kuwana, unofunga zvaShe, kuti ungafadza Ishe wake sei.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Asina kuwana, anofunga zvaIshe, kuti angafadza Ishe wake sei.