1 Corinthians 7:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nomukadzi nemhandara ʋakasiyana; usina‐kuwanikwa unofuŋga ɀaShe, kuti aʋe mutȿene pamuʋiri napamŋeya; asi wakawanikwa unofuŋga ɀenyika, kuti uŋgafadza murume wake sei.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye zvaanoda zvakapatsanurwa. Mukadzi asina kuwanikwa kana mhandara anofunga nezvaShe: Chinangwa ndechokuzvipira kuna She panyama napamweya. Asi mukadzi akawanikwa anofunga zvenyika ino kuti angafadza murume wake sei.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mukadzi akaroorwa mwoyo wake uri kune zvenyika kuti angafadze sei murume wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nomukadzi asina kuwanikwa nemhandara anofunga zvaIshe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi akawanikwa anofunga zvenyika, kuti angafadza murume wake sei.
Shona 2009?
Panomusiyano pakati pomukadzi nemhandara usina kuwanikwa unofunga zvaShe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi wakawanikwa unofunga zvenyika, kuti ungafadza murume wake sei.
Shona SUB 2002 Bible
Nomukadzi asina kuwanikwa nemhandara anofunga zvaIshe, kuti ave mutsvene pamuviri napamweya; asi akawanikwa anofunga zvenyika, kuti angafadza murume wake sei.