1 Corinthians 7:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana mumŋe acifuŋga kuti haaitiri mukunda wake, yaʋa mhandara, ɀakafanira, iye ɀaatokura kwaɀo hake, kana ɀirinani kuti ɀiitwe, ŋgaaite nokuɗa kwake, haatadzi; ŋgaʋawaniswe haʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mumwe achifunga kuti ava kuita zvisina kunaka kumhandara yaakatsidzira, uye kana ava namakore akafanira kana achida kumuwana, ngaaite zvaanoda. Haasi kutadza. Vanofanira kuwanana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana murume achiona kuti haasikuzvibata kumusikana wake. Kana havi dzake dzanyanya uye pane zvinofanira kuitwa ngaaite zvaari kuda kuita, ngaaroore. Hapana chakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana mumwe achifunga kuti haaitiri mukunda wake, yava mhandara, zvakafanira, iye zvaatokura kwazvo hake, ngaaite nokuda kwake, haatadzi; ngavawaniswe havo.
Shona 2009?
Asi kana mumwe achifunga kuti haaitiri mukunda wake, yava mhandara, zvakafanira, iye zvaatokura kwazvo hake, kana zvirinani kuti zviitwe, ngaaite nokuda kwake, haatadzi; ngavawaniswe havo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana mumwe achifunga kuti haaitiri mukunda wake, yava mhandara, zvakafanira, iye zvaatokura kwazvo hake, ngaaite nokuda kwake, haatadzi; ngavawaniswe havo.