1 Corinthians 7:37 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi uyo unomira akasimba pamŋoyo pake, asiŋgamanikidzwi necinhu, asi anesimba pamsoro pokuɗa kwake, akatema mumŋoyo make cinhu ici, kuti ucaceŋgeta mhandara yake, iye unoita ɀakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi uyo munhu anenge azvifunga mupfungwa dzake, asina zvinomumanikidza iye kana achizvidzora, uye kana akatema mumwoyo make kuti haadi kuwana mhandara iyi, murume uyu aitawo chinhu chakanaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi munhu akanyatsofunga mumwoyo make kurega kuroora asina amumanikidza achinyatsoziva zvaari kuita, anyatsozvironga mumwoyo make kusaroora musikana wake, anoita zvakanaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi uyo anomira akasimba pamwoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi ane simba pamusoro pokuda kwake, akatema mumwoyo make chinhu ichi, kuti achachengeta mhandara yake, iye anoita zvakanaka.
Shona 2009?
Asi uyo unomira akasimba pamoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi anesimba pamusoro pokuda kwake, akatema mumoyo make chinhu ichi, kuti uchachengeta mhandara yake, iye unoita zvakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Asi uyo anomira akasimba pamwoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi ane simba pamusoro pokuda kwake, akatema mumwoyo make chinhu ichi, kuti achachengeta mhandara yake, iye anoita zvakanaka.