1 Corinthians 7:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musanyimana, asi muciita ŋguʋa ɗuku, mambotenderana, kuti muʋe neŋguʋa yokunyeŋgetera, ndokusoŋgana ɀe, kuti Satani arege kukuidzai pakusagona kwenyu kuɀidzora.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musanyimana, kunze kwokunge matenderana uye kwenguva duku, kuti mumbova nenguva yokunyengetera. Mushure mezvo mosanganazve kuitira kuti Satani arege kukuedzai pakusazvidzora kwenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Regai kunyimana, kunze kokunge mabvumirana kuregera kwechinguva, kuti mumbonamata, asi mozodzokerana zvakare nokuti Satani angadaro akakuedzai nokutadza kuzvibata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Musanyimana, asi muchiita nguva duku, mambotenderana, kuti muve nenguva yokunyengetera, ndokusanganazve, kuti Satani arege kukuedzai pakusagona kwenyu kuzvidzora.
Shona 2009?
Musanyimana, asi muchiita nguva duku, mumbotenderana, kuti muve nenguva yokutsanya nokunyengetera, ndokusonganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusagona kwenyu kuzvidzora.
Shona SUB 2002 Bible
Musanyimana, asi muchiita nguva duku, mambotenderana, kuti muve nenguva yokunyengetera, ndokusanganazve, kuti Satani arege kukuedzai pakusagona kwenyu kuzvidzora.