1 Corinthians 9:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ʋamŋe ʋacipiwa simba pamsoro penyu, ko isu hati piwi iro ɀikuru here? Asi hatina‐kuɀiɓatira nesimba iro; asi tinotambudzika paɀose, kuti tirege kudziʋisa Evaŋgeri yaKristu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana vamwe vane kodzero iyi yokuwana rubatsiro kubva kwamuri, hatifaniri kutowana zvikuru here? Asi hatina kushandisa kodzero iyi. Asi tinotambudzika pane zvose kuitira kuti tirege kukanganisa vhangeri raKristu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana vamwe vane mvumo iyoyo pamuri ko isu hatina mvumo iyoyo kutovapfuura here? Zvakadaro zvazvo isu hatina kushandisa mvumo yedu iyoyo. Tinotirira zvose panze pokuisa chipingidzo munzira yeShoko Rakanaka raKristu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana vamwe vachipiwa simba pamusoro penyu, ko isu hatipiwi iro zvikuru here? Asi hatina kuzvibatira nesimba iro; asi tinotambudzika pazvose, kuti tirege kudzivisa Vhangeri yaKristu.
Shona 2009?
Kana vamwe vachipiwa simba pamusoro penyu, ko isu hatipiwi iro zvikuru here? Asi hatina kuzvibatira nesimba; asi tinotambudzika pazvose, kuti tirege kudzivisa evhangeri yaKristu..
Shona SUB 2002 Bible
Kana vamwe vachipiwa simba pamusoro penyu, ko isu hatipiwi iro zvikuru here? Asi hatina kuzvibatira nesimba iro; asi tinotambudzika pazvose, kuti tirege kudzivisa Vhangeri yaKristu.