1 Corinthians 9:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ini handina‐kuɀiɓatira necimŋe ceɀinhu iɀo. Handinyori iɀi kuti ndiitirwe saiɀoɀo ini; nokuti ɀirinani kuti ndife, pakuti mumŋe akonese ico candinoɀirumbidza naco.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi handina kushandisa kana imwe yekodzero idzi. Uye handisi kunyora izvi ndine tariro yokuti muchandiitira zvinhu zvakadai. Zviri nani kuti ndife zvangu pano kuti mumwe munhu anditorere chinhu ichi chandinozvirumbidza nacho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ini handina kushandisa mvumo yezvinhu zvose izvozvo. Uye handisi kunyorera kuti ndizviwanire izvozvo. Ini ndingatosarudza kufa pano kuti munhu anditorere chinondipa chacho kuzvirova dundundu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ini handina kuzvibatira nechimwe chezvinhu izvo. Handinyori izvi kuti ndiitirwe saizvozvo ini; nokuti zviri nani kuti ndife, pakuti mumwe akonese icho chandinozvirumbidza nacho.
Shona 2009?
Asi ini handina kuzvibatira nechimwe chezvinhu izvo. Handinyori izvi kuti ndiitirwe saizvozvo ini; nokuti zvirinani kuti ndife, pakuti mumwe akonese icho chandinozvirumbidza nacho.
Shona SUB 2002 Bible
Asi ini handina kuzvibatira nechimwe chezvinhu izvo. Handinyori izvi kuti ndiitirwe saizvozvo ini; nokuti zviri nani kuti ndife, pakuti mumwe akonese icho chandinozvirumbidza nacho.