1 Corinthians 9:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana ndiciɀiita ndiciɗa ini, ndinomuɓairo; asi kana ndiciɀiita ndisiŋgaɗi, ndakapiwa haŋgu ʋutariri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana ndichiparidza nokuda kwangu, ndino mubayiro; kana ndichiita ndisingadi, ndiri kungoita chete izvo zvandakapiwa kuti ndiite.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dai kuri kuti ndinoita izvi nokuda kwangu ndingadai ndiine mubayiro asi kana kusiri kuda kwangu ndinongoriitawo sebasa randakapiwa. Ko zvino mubayiro wangu ndeweiko?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana ndichizviita ndichida ini, ndino mubayiro; asi kana ndichizviita ndisingadi, ndakapiwa hangu utariri.
Shona 2009?
Nokuti kana ndichizviita ndichida ini, ndinomubairo; asi kana ndichizviita ndisingadi, ndakapiwa hangu vutariri.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana ndichizviita ndichida ini, ndino mubairo; asi kana ndichizviita ndisingadi, ndakapiwa hangu utariri.