1 Corinthians 9:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
KuʋaJuda ndakaʋa somuJuda, kuti ndiwane ʋaJuda; kunaʋari pasi pomurairo, ndakaʋa so munhu uri pasi pomurairo, kunyaŋge ndisati ndiri pasi pomurairo haŋgu, kuti ndiwane ʋari pasi pomurairo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomurayiro ndakava somunhu ari pasi pomurayiro (kunyange ini ndisiri pasi pomurayiro), kuti ndiwane vari pasi pomurayiro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
KuvaJudha ndakazviita somuJudha kuti ndiwane vaJudha. Kuna vari pasi pomutemo ndakazviita sendiri pasiwo pomutemo kunyange zvazvo ndakanga ndisiri pasi pomutemo kuti ndiwane vakanga vari pasi pomutemo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kuna vari pasi pomurayiro, kunyange ndisati ndiri pasi pomurayiro hangu, kuti ndiwane vari pasi pomurayiro;
Shona 2009?
KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kunavari pasi pomurairo, ndakava somunhu uri pasi pomurairo, kunyange ndisati ndiri pasi pomurairo hangu, kuti ndiwane vari pasi pomurairo;
Shona SUB 2002 Bible
KuVaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kuna vari pasi pomurairo, kunyangwe ndisati ndiri pasi pomurairo hangu, kuti ndiwane vari pasi pomurairo;