1 Corinthians 9:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hamuziʋi here kuti aʋo ʋanoita nhaŋgemutaŋge, ʋanomhanya ʋose, asi mumŋe cete unopiwa muɓairo? Mhanyai saiɀoɀo, kuti mu u wane.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hamuzivi here kuti panhangemutange vanhu vose vanomhanya, asi mumwe chete ndiye anopiwa mubayiro? Mhanyai zvokuti mugowana mubayiro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hamuzivisu kuti pamakundano okumhanya vamhanyi vose vanokwikwidzana asi mumwechete ndiye anowana mubayiro? Saizvozvo mhanyai kuti muuwane.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange, vanomhanya vose, asi mumwechete anopiwa mubayiro? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane.
Shona 2009?
Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange, vanomhanya vose, asi mumwe chete unopiwa mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muwane.
Shona SUB 2002 Bible
Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange, vanomhanya vose, asi mumwechete anopiwa mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane.