1 John 1:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
(ʋupenyu bgakaratidzwa, tikabguʋona, tinopupura nokukuparidzirai ʋupenyu bgusiŋgaperi, bgakaŋga bguri kunaƂaɓa, bgukaratidzwa kwatiri):
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Upenyu hwakaonekwa; takahuona uye tikapupura nezvahwo, uye tinoparidza kwamuri upenyu husingaperi, hwakanga huri kuna Baba uye hwakaratidzwa kwatiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Upenyu ihwohwo hwakaratidzwa pachena tikahuona uye tinohupupurira tichiparidzawo kwamuri. Upenyu ihwohwo husingaperi hwaiva naBaba hwakaratidzwa kwatiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
(upenyu hwakaratidzwa, tikahuona, tinopupura nokukuparidzirai upenyu husingaperi, hwakanga huri kuna Baba, hukaratidzwa kwatiri):
Shona 2009?
(vupenyu bwakaratidzwa, tikabwuvona, tinopupura nokukuparidzirai vupenyu bwusingaperi, bwakanga bwuri kunaBaba, bwukaratidzwa kwatiri);
Shona SUB 2002 Bible
(upenyu hwakaratidzwa, tikahuona, tinopupura nokukuparidzirai upenyu husingaperi, hwakanga huri kuna Baba, hukaratidzwa kwatiri):