1 John 2:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanana, iŋguʋa yokupedzisira; seɀamakanzwa kuti antikristu unoʋuya, naɀino ʋanaantikristu ʋazhinji ʋaʋa’po; ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti yaʋa ŋguʋa yokupedzisira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vana vanodikanwa, ino ndiyo nguva yokupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti andikristu ari kuuya, kunyange izvozvi vanaandikristu vazhinji vakatouya. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti ava mazuva okupedzisira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanangu, ino yava nguva yokupedzisira uye sokunzwa kwamakaita kuti mhandu yaKristu iri kuuya, saizvozvowo parizvino mhandu zhinji dzaKristu dzakatouya. Naizvozvo tinoziva kuti ino yava nguva yokupedzisira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanana, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti antikristu anouya, nazvino vanaantikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira.
Shona 2009?
Vana vaduku, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti antikristu unovuya, nazvino vana antikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira.
Shona SUB 2002 Bible
Vanana, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti Andikristu anouya, nazvino vanaAndikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira.