1 John 2:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakabva kwatiri, asi ʋakaŋga ʋasati ʋari ʋeɗu, nokuti ɗai ʋaiʋa ʋeɗu, ʋaŋgaɗai ʋaigara nesu; asi ʋakabʋa kuti ʋaʋonekwe kuti ʋose haʋazi ʋeɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vedu chaivo. Nokuti dai vakanga vari vedu chaivo, vangadai vakagara nesu; asi kuenda kwavo kwakaratidza kuti hapana mumwe wavo akanga ari wedu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakabva mukati medu, asi vakanga vasiri vamwe vedu nokuti dai vakanga vari vedu, vangadai vakaramba vanesu. Asi vakabva mukati medu kuti zvibude pachena kuti, vose zvavo, havasi vedu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakabva kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nokuti dai vaiva vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabva kuti vaonekwe kuti vose havasi vedu.
Shona 2009?
Vakabva kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nokuti dai vaive vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabva kuti vavonekwe kuti vose havazi vedu.
Shona SUB 2002 Bible
Vakabva kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nokuti dai vaiva vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabva kuti vaonekwe kuti vose havasi vedu.