1 John 2:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndianiko mureʋi wenhema, kana asati ari iye unoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye antikristu, unoramba Ƃaɓa noMŋanakomana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndianiko murevi wenhema? Ndiye munhu anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Munhu akadaro ndiye andikristu, anoramba Baba noMwanakomana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiani munyepi? Kusiya uyo anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Iyeyo ndiyo mhandu yaKristu nokuti anoramba Baba naMwanakomana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndianiko murevi wenhema, kana asati ari iye anoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye antikristu, anoramba Baba noMwanakomana.
Shona 2009?
Ndianiko murevi wenhema, kana asati ari iye unoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye antikristu, unoramba Baba noMwanakomana.
Shona SUB 2002 Bible
Ndianiko murevi wenhema, kana asati ari iye anoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye Andikristu, anoramba Baba noMwanakomana.