1 John 2:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana muri’mi, kuzodzwa kwamakagamucira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodza kwake, seɀakunokudzidzisai pamsoro peɀinhu ɀose, kuri kwaɀokwaɗi, dzisati dziri nhema, seɀakwakakudzidzisai, garai maari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki mumwe munhu kuti akudzidzisei. Asi sezvo kuzodza kwake kuchikudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose uye sezvo kuzodza ikoko kuri kwechokwadi, kwete kwenhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mweya Mutsvene wamakazodzwa naye, anoramba ari mamuri. Hazvichisina basa kwamuri kuti muve neanokudzidzisai, nokuti iye wamakazodzwa naye anokudzidzisai uye ndewechokwadi ari pachokwadi haarevi nhema sokukudzidzisai kwaakakuitai, rambai muinaye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodza kwake, sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, kuri kwechokwadi, chisati chiri nhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari.
Shona 2009?
Kana muri imwi, kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodzwa kwake, sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, kuri kwechokwadi, dzisati dziri nhema, se zvakwakakudzidzisai, garai maari.
Shona SUB 2002 Bible
Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodza kwake, sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, kuri kwechokwadi, chisati chiri nhema, sezvakwakunodzidzisai, garai maari.