1 John 2:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana muciziʋa kuti iye wakarurama, ziʋai ʋo kuti mumŋe nomumŋe unoita ɀakarurama wakaɓerekwa naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana muchiziva kuti iye akarurama, munoziva kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana muchiziva kuti iye akarurama munofanira kunyatsoziva kuti munhu wose anoita zvakanaka akaberekwa naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana muchiziva kuti iye akarurama, zivaiwo kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.
Shona 2009?
Kana muchiziva kuti iye wakarurama zivaivo kuti mumwe nomumwe unoita zvakarurama wakaberekwa naye.
Shona SUB 2002 Bible
Kana muchiziva kuti iye akarurama, zivaiwo kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.