1 John 2:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaɗikanwa, handikunyoreriyi murairo mutȿa, asi murairo wekare, wamakaŋga munawo kubva pakutaŋga; murairo wekare ndiro shoko ramakanzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vadikani, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi wakare, wamakanzwa kubva pakutanga. Iwoyu murayiro wekare ndiyo mharidzo yamakanzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vadikanwi, handisi kukunyorerai mutemo mutsva asi mutemo wapasi chigare, wamaingova nawo kubva pakutanga. Mutemo wakare uya ndiwo shoko ramakanzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vadikanwi, handikunyorerei murayiro mutsva, asi murayiro wekare, wamakanga munawo kubva pakutanga; murayiro wekare ndiro shoko ramakanzwa.
Shona 2009?
Hama dzangu, handikunyoreriyi murairo mutsva, asi murairo wekare, wamakanga munawo kubva pakutanga; murairo wekare ndiro shoko ramakanzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Vadikanwi, handikunyorerei murairo mutsva, asi murairo wekare, wamakanga munawo kubva pakutanga; murairo wekare ndiro shoko ramakanzwa.