1 John 2:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pamŋe ɀe ndinokunyorerai murairo mutȿa, ciri cinhu caɀokwaɗi kwaari nokwamuri; nokuti rima ropfuʋura, ciedza caɀokwaɗi cotovenekera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ndiri kukunyorerai murayiro mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uye nomamuri, nokuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutovhenekera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange zvakadaro zvazvo asi ini ndiri kukunyorerai zvakare mutemo mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uyewo mamuri, nokuti rima riri kupfuura, chiedza chechokwadi chava kutopenya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pamwezve ndinokunyorerai murayiro mutsva, chiri chinhu chechokwadi kwaari nokwamuri; nokuti rima ropfuura, chiedza chechokwadi chotovhenekera.
Shona 2009?
Pamwe zve ndinokunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chachokwadi maari nomamuri; nokuti rima ropfuvura, chiedza chachokwadi chotovhenekera.
Shona SUB 2002 Bible
Pamwezve ndinokunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chechokwadi kwaari nokwamuri; nokuti rima ropfuura, chiedza chechokwadi chotovhenekera.