1 John 3:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaMŋari ʋanoʋoneswa naiɀoɀi, naʋana ʋaDiaborosi; mumŋe nomumŋe usiŋgaiti ɀakarurama, haazi waMŋari, naiye ʋo usiŋgaɗi hama yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndiwo maziviro edu kuti vana vaMwari ndavapi uye kuti vana vadhiabhori ndavapi: Ani naani asingaiti zvakarurama haasi mwana waMwari; uye uyo asingadi hama yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvi ndizvo zvinotiratidza pachena kuti vana vaMwari ndavapi uye kuti vana vaSatani ndavapi. Munhu wose asingaiti zvakarurama, haasi waMwari ndizvo zvimwechetezvo nomunhu asingadi hama yake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaMwari vanooneswa naizvozvi, navana vaDhiabhori; mumwe nomumwe asingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyewo asingadi hama yake.
Shona 2009?
Vana vaMwari vanovoneswa naizvozvi, navana vaDhiabhorosi; mumwe nomumwe usingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyevo usingadi hama yake.
Shona SUB 2002 Bible
Vana vaMwari vanooneswa naizvozvi, navana vaDhiabhori; mumwe nomumwe asingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyewo asingadi hama yake.