1 John 3:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
tisiŋgaiti saKaini, wakaŋga ari wowakaipa, akaʋuraya munuŋuna wake. Wakamuʋurayireiko? Nokuti maɓasa ake akaŋga akaipa, asi omunuŋuna wake akaŋga akarurama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musaita saKaini, akanga ari wowakaipa uye akaponda munun'una wake. Uye akamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa uye omunun'una wake akanga akarurama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
tirege kuita saKaini akanga ari womuipi uya akaponda munun'una wake. Akamuponderei? Nokuti zviito zvake zvakanga zvakaipa asi zvomunun'una wake zvakanga zvakanaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
tisingaiti saKaini, akanga ari wowakaipa, akauraya munun'una wake. Akamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunun'una wake akanga akarurama.
Shona 2009?
tisingaiti saKaini, wakanga ari wowakaipa, akavuraya munununa wake. Wakamuvurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunun'una wake akanga akarurama.
Shona SUB 2002 Bible
tisingaiti saKaini, akanga ari wowakaipa, akauraya munun'una wake. Akamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunun'una wake akanga akarurama.