1 John 4:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ruɗo rwakakwaniswa matiri pacinhu ici, kuti tirege kutya nezuʋa rokutoŋgwa; nokuti seɀaakaita iye, ndiɀo ɀatakaita ʋo panyika ino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo, rudo runokwaniswa pakati pedu kuitira kuti tigova nokuvimba pazuva rokutongwa, nokuti munyika ino takafanana naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muna izvozvi, rudo runobva rwazadzikiswa zvokuperera matiri kuti tive neruvimbo pamusi wokutongwa, nokuti zvaari ndizvowo zvatiri pasi pano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rudo rwakakwaniswa matiri pachinhu ichi, kuti tirege kutya nezuva rokutongwa; nokuti sezvaakaita iye, ndizvo zvatakaitawo panyika ino.
Shona 2009?
Rudo rwakakwaniswa matiri pachinhu ichi, kuti tirege kutya nezuva rokutongwa; nokuti sezvaakaita iye, ndizvo zvatakaitavo panyika ino.
Shona SUB 2002 Bible
Rudo rwakakwaniswa matiri pachinhu ichi, kuti tirege kutya nezuva rokutongwa; nokuti sezvaakaita iye, ndizvo zvatakaitawo panyika ino.