1 John 4:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunokutya muruɗo; asi ruɗo, rwakakwana, runodziŋga kutya, nokuti kutya kunorobga; munhu, unotya, haana‐kukwaniswa paruɗo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murudo hamuna kutya. Asi rudo rwakakwana runodzinga kutya, nokuti kutya kune chokuita nokurangwa. Munhu anotya haana kukwaniswa murudo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pane rudo hapana kutya uye rudo rwakaperera runodzinga kutya nokuti uyo anotya anenge achitya kurangwa. Munhu anotya kurangwa rudo rwake haruna kuperera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hakuna kutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorohwa; munhu, anotya, haana kukwaniswa parudo.
Shona 2009?
Hakunokutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorobwa; munhu, unotya, haana kukwaniswa parudo.
Shona SUB 2002 Bible
Hakuna kutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorohwa; munhu, anotya, haana kukwaniswa parudo.