1 John 4:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu aciti, ndinoɗa Mŋari, aciʋeŋga hama yake, mureʋi wenhema; nokuti usiŋgaɗi hama yake yaakaʋona, uŋgaɗa seiko Mŋari, waasina‐kumuʋona?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu achiti, “Ndinoda Mwari,” asingadi hama yake, murevi wenhema. Nokuti ani naani asingadi hama yake yaakaona, haagoni kuda Mwari, waasina kumboona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana munhu achiti anoda Mwari asi achivenga mumwe wake, munyepi nokuti asingadi mumwe wake waanoona, haangakwanisi kuda Mwari waasati amboona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti asingadi hama yake yaakaona, angada seiko Mwari, waasina kumuona?
Shona 2009?
Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti usingadi hama yake yaakavona, ungada seiko Mwari, waasina kuvona?
Shona SUB 2002 Bible
Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti asingadi hama yake yaakaona, angada seiko Mwari, waasina kuona?