1 John 4:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋeya mumŋe nomumŋe usiŋgapupuri Jesu, hauzi waMŋari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unoʋuya; naɀino watoʋa panyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
asi mweya wose usingapupuri Jesu haubvi kuna Mwari. Ndiwo mweya waandikristu, wamakanzwa kuti uri kuuya uye kunyange iye zvino watova munyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mweya wose usingapupuri izvozvi nezvaJesu, hausi waMwari. Uyu ndiwo mweya wemhandu yaKristu wamakambonzwa kuti uri kuuya iye zvino watova pasi pano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mweya mumwe nomumwe usingapupuri Jesu, hauzi waMwari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti anouya; nazvino atova panyika.
Shona 2009?
Mweya mumwe nomumwe usingapupuri kuti Jesu Kristu wakavuya panyama, hauzi waMwari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unovuya' nazvino watova panyika.
Shona SUB 2002 Bible
Mweya mumwe nomumwe usingapupuri Jesu, hauzi waMwari; iwo ndowaAndikristu, wamakanzwa kuti anouya; nazvino atova panyika.