1 John 4:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaɗikanwa, ŋgatiɗane; nokuti ruɗo runobva kunaMŋari; mumŋe nomumŋe, unoɗa, wakaɓerekwa naMŋari, unoziʋa Mŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vadikanwi ngatidananei nokuti rudo runobva kuna Mwari. Munhu wose ano rudo akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vadikanwi, ngatidane; nokuti rudo runobva kuna Mwari; mumwe nomumwe, anoda, akaberekwa naMwari, anoziva Mwari.
Shona 2009?
Vadikamwa, ngatidane; nokuti rudo runobva kunaMwari, mumwe nomumwe, unoda, wakaberekwa naMwari, unoziva Mwari.
Shona SUB 2002 Bible
Vadikanwi, ngatidane; nokuti rudo runobva kuna Mwari; mumwe nomumwe, anoda, akaberekwa naMwari, anoziva Mwari.