1 John 5:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Uyo, unotenda kuMŋanakomana waMŋari, kupupura unako mukati make; usiŋgatendi Mŋari, wakamuita mureʋi wenhema; nokuti haana‐kutenda kupupura kwakapupurirwa naMŋari pamsoro poMŋanakomana wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munhu mumwe nomumwe anotenda muMwanakomana waMwari anouchapupu uhu mumwoyo make. Munhu mumwe nomumwe asingatendi Mwari, akabva amuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda kupupura kwaMwari kwaakaita pamusoro poMwanakomana wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu anotenda muna Mwanakomana waMwari ano uchapupu ihwohwo maari, uyowo asingatendi muna Mwari anomuita munyepi nokuti anenge asina kutenda muuchapupu hwaakaita kuMwanakomana wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyo, anotenda kuMwanakomana waMwari, kupupura anako mukati make; asingatendi Mwari akamuita murevi wenhema; nokuti haana kutenda kupupura kwakapupurirwa naMwari pamusoro poMwanakomana wake.
Shona 2009?
Uyo, unotenda kuMwanakomana waMwari, kupupura unako mukati make; usingatendi Mwari, wakamuita murevi wenhema; nokuti haana kutenda kupupura kwakapupurirwa naMwari pamusoro poMwanakomana wake.
Shona SUB 2002 Bible
Uyo, anotenda kuMwanakomana waMwari, kupupura anako mukati make; asingatendi Mwari akamuita murevi wenhema; nokuti haana kutenda kupupura kwakapupurirwa naMwari pamusoro poMwanakomana wake.